Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 119:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.

2. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

3. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.

4. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.

5. Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!

6. Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.

7. Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.

8. Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.Bheti

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 119