Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 116:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.

7. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

8. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,

9. kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.

10. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”

11. Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”

12. Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 116