Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 115:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

6. zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuwidza;

7. zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo.

8. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

9. Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

10. Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

11. Imi vanomutya, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

12. Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza: Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,

13. acharopafadza vanotya Jehovha, vaduku navakuru zvakafanana.

14. Jehovha ngaakuwanzei, mose iwe navana vako.

15. Jehovha ngaakuropafadze, iye muiti wedenga napasi.

16. Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha, asi nyika akaipa kuvanhu.

17. Vakafa havazivo vanorumbidza Jehovha, avo vanoburukira kwakanyarara;

18. asi tisu tinokudza Jehovha, kubva zvino kusvikira narini. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 115