Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 115:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.

2. Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?”

3. Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza.

4. Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.

5. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

6. zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuwidza;

7. zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo.

8. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.

9. Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 115