Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 113:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4. Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5. Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusorosoro,

6. anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?

7. Anosimudza murombo muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8. anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.

9. Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 113