Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 113:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.

2. Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.

3. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4. Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5. Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusorosoro,

6. anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?

7. Anosimudza murombo muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 113