Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 112:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru.

2. Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

3. Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4. Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

5. Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6. Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7. Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8. Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 112