1. Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano.
2. Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.
3. Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4. Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.
5. Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.