Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 110:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”

2. Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.

3. Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.

4. Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerekizedheki.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 110