Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 108:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6. Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.

7. Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.

8. Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.

9. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”

10. Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?

11. Ko, hamuzimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?

12. Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 108