Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 108:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2. Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.

3. Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4. Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;

5. Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6. Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.

7. Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.

8. Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.

9. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 108