Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 108:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2. Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.

3. Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4. Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;

5. Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 108