Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:33-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.

34. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;

35. zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.

36. Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.

37. Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.

38. Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.

39. Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.

40. Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.

41. Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.

42. Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.

43. Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;

44. akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,

45. kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105