Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:28-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?

29. Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.

30. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.

31. Iye akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.

32. Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;

33. akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.

34. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;

35. zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.

36. Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.

37. Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.

38. Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105