Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:23-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.

24. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,

25. avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.

26. Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.

27. Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.

28. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?

29. Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.

30. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.

31. Iye akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105