Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:16-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;

17. uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.

18. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,

19. kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.

20. Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.

21. Iye akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,

22. kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere.

23. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.

24. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,

25. avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.

26. Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.

27. Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.

28. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105