Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.

2. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.

3. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.

4. Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.

5. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,

6. imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.

7. Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.

8. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru,

9. sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105