Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 105:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.

2. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.

3. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.

4. Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.

5. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,

6. imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.

7. Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.

8. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru,

9. sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.

10. Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,

11. “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”

12. Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,

13. vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.

14. Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 105