Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 102:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga.

8. Zuva rose vavengi vangu vanondituka; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.

9. Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,

10. nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.

11. Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.

12. Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

13. Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.

14. Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.

15. Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.

16. Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.

17. Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 102