Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 102:2-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.

3. Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.

4. Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.

5. Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.

6. Ndafanana nezizi romugwenga, sezizi riri pakati pamatongo.

7. Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga.

8. Zuva rose vavengi vangu vanondituka; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.

9. Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,

10. nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.

11. Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.

12. Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

13. Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.

14. Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 102