2. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.
3. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.
4. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.
5. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.
6. Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.
7. Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.
8. Mangwanani oga oga ndichaita kuti vanyarare, vakaipa vose vari panyika; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.