Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 101:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

2. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.

3. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.

4. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.

5. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.

6. Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.

7. Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.

8. Mangwanani oga oga ndichaita kuti vanyarare, vakaipa vose vari panyika; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 101