1. Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
2. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.
3. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.
4. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.
5. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.