7. Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.
9. Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.
10. Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake.
11. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”