4. Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.
5. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.
6. Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizunungusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”
7. Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.
9. Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.