Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 10:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2. Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.

3. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

4. Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.

5. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.

6. Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizunungusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”

7. Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 10