Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 5:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.

2. Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.

3. Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.

4. Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.

5. Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.

6. Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane kudya kwakakwana.

7. Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.

8. Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.

9. Tinowana zvokudya zvedu nokusvitsa upenyu hwedu panjodzi, nokuda kwomunondo murenje.

10. Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara.

11. Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha.

12. Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi.

13. Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.

14. Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo.

15. Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.

16. Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza!

17. Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,

18. nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo.

19. Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

20. Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 5