Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe.

2. Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari!

3. Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga.

4. Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa.

5. Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota.

6. Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.

7. Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.

8. Asi zvino vasviba kupfuura chin'ai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma kufanana sedanda.

9. Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.

10. Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu.

11. Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro.

12. Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema.

13. Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.

14. Vanodzungaira munzira dzaro samapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.

15. Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.”

16. Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru.

17. Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa.

18. Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika.

19. Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje.

20. Muzodziwa waJehovha, iwo mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi.

21. Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.

22. Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako.