Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 8:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Mangwana mangwanani Joshua akaronga vanhu, uye iye navatungamiri veIsraeri vakafamba pamberi pavo vachienda kuAi.

11. Hondo yose yaiva naye yakafamba vakaswedera pedyo neguta vakasvika nechemberi kwaro. Vakadzika musasa kumusoro kweAi, mupata uri pakati pavo neguta.

12. Joshua akanga atora varume vangasvika zviuru zvishanu akavarayira kuti vavandire pakati peBheteri neAi, kumavirazuva kweguta.

13. Vakarayira varwi kuti vatore nzvimbo dzavo, vose vaiva mumusasa nechokumusoro kweguta navakanga vakavandira kumavirazuva kwaro. Usiku ihwohwo Joshua akapinda mumupata.

14. Zvino mambo weAi paakaona izvi, iye navarume vose veguta vakakurumidza kubuda mangwanani kuti vasangane navaIsraeri varwe panzvimbo yakanga yakatarisana neArabha. Asi haana kuziva kuti akanga avandirwa seri kweguta.

15. Joshua navaIsraeri vose vakavarega vachivadzingirira vachidzokera shure, vakatiza vakananga kugwenga.

16. Varume vose veAi vakadaidzwa kuti vavadzingirire, uye vakadzingirira Joshua vachibva vakwezvwa kubva kuguta.

17. Hapana murume kana mumwe akasara muAi kana muBheteri asina kudzingirira vaIsraeri. Vakasiya guta rakashama vakadzingirira vaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 8