Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 7:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo.

7. Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani!

8. Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo?

9. VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?”

10. Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako?

11. VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo.

12. Ndokusaka vaIsraeri vasingagone kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa.

13. “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa.

14. “ ‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu.

15. Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ”

16. Mangwana mangwanani Joshua akati vaIsraeri vauye rudzi norudzi; rudzi rwaJudha rukabatwa.

17. Dzimba dzokwaJudha dzakauya mberi imba yavaZera ikabatwa. Akauyisa imba yavaZera nemhuri dzayo, Zimiri akabatwa.

18. Joshua akauyisa mhuri yake munhu nomunhu, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akabatwa.

19. Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.”

20. Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita:

21. Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviria esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanub, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.”

22. Naizvozvo Joshua akatuma nhume, vakamhanyira kutende, vakanowana zviriko, zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 7