Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 7:2-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Zvino Joshua akatuma vanhu kubva Jeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munoshora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanoshora Ai.

3. Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.”

4. Naizvozvo kwakaenda varume zviuri zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi,

5. avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura.

6. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo.

7. Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani!

8. Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo?

9. VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?”

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 7