Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri.

2. Panguva iyoyo Jehovha akataura naJoshua akati, “Gadzira mapanga amatombo anopinza ugodzingisa vaIsraeri zvakare.”

3. Naizvozvo Joshua akagadzira mapanga amatombo akadzingisa vaIsraeri paGibhea Hararoti (chikomo chezvikanda zvepamberi).

4. Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 5