Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 4:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.”

8. Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi.

9. Joshua akamisa matombo gumi namaviri akanga ari pakati peJorodhani pakanga pakamira vaprista vakanga vakatakura areka yesungano. Uye achiripo nanhasi uno.

10. Vaprista vakanga vakatakura areka vakaramba vakamira pakati peJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha zvaitwa navanhu, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Joshua naMozisi. Vanhu vakakurumidza kuyambuka

11. uye vose vachangoyambuka, areka yaJehovha navaprista vakayambukawo vanhu vakavatarisa.

12. Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakashonga nhumbi dzokurwa, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi.

13. Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.

14. Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva oupenyu hwake ose sokuremekedza kwavaiita Mozisi.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 4