Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 3:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukusimudzira pamberi pavaIsraeri vose, kuitira kuti vazive kuti ndinewe sezvandaiva naMozisi.

8. Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’ ”

9. Joshua akati kuvaIsraeri, “Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu.

10. Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi.

11. Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose ichakutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.

12. Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 3