Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 21:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Kubva pamarudzi avaJudha navaSimeoni, vakavapa maguta akarehwa namazita awo pano.

10. (maguta aya akapiwa kuzvizvarwa zvaAroni zvaibva kumhuri yaKohati vari vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya):

11. Vakavapa Kiriati Abha (iro Hebhuroni), namafuro akaripoteredza, munyika yamakomo yaJudha. (Abha ndiye akanga ari tateguru wavaAnaki.)

12. Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

13. Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Ribhina,

14. Jatiri, Eshitema,

15. Horoni, Dhebhiri,

16. Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.

17. Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha,

18. Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 21