Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 21:31-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

32. kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.

33. Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.

34. Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira,

35. Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

36. kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi,

37. Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

38. kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),

39. Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.

40. Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.

41. Maguta avaRevhi munyika yaiva yavaIsraeri aiva makumi mana namasere pamwe chete namafuro awo.

42. Rimwe nerimwe ramaguta aya rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndizvo zvakanga zvakaita maguta ose aya.

43. Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo, ikava yavo vakagara mairi.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 21