Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 21:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

25. Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri.

26. Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.

27. Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;

28. kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabhera,

29. Jamuti neEri Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

30. Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni,

31. Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 21