Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 21:23-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve Eriteki, Gibheoni,

24. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

25. Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri.

26. Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.

27. Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;

28. kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabhera,

29. Jamuti neEri Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

30. Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni,

31. Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

32. kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.

33. Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.

34. Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira,

35. Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

36. kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi,

37. Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

38. kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),

39. Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.

40. Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 21