Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 21:13-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Ribhina,

14. Jatiri, Eshitema,

15. Horoni, Dhebhiri,

16. Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.

17. Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha,

18. Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

19. Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo.

20. Vakasara vedzimba dzavaKohati, vorudzi rwaRevhi vakagoverwa maguta kurudzi rwaEfuremu:

21. Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa (Shekemu guta routiziro rouya anopomerwa mhosva yokuuraya munhu) neGezeri,

22. Kibhizaimi neBheti Horoni, pamwe namafuro awo, maguta mana.

23. Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve Eriteki, Gibheoni,

24. Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

25. Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri.

26. Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.

27. Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 21