Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 11:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Joshua akaita kwavari zvakanga zvarayirwa naJehovha: Akatema marunda amabhiza akapisa ngoro dzavo.

10. Panguva iyoyo Joshua akadzokera akatora Hazori ndokuuraya mambo waro. (Hazori waiva muzinda woumambo hwose uhu.)

11. Vakauraya nomunondo munhu wose aivamo. Vakavaparadza zvachose, vakasasiya chipi nechipi chaifema, uye akapisa Hazori pacharo nomoto.

12. Joshua akakunda maguta oumambo ose aya namadzimambo awo ndokuvauraya nomunondo. Akavaparadza zvachose, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha.

13. Asi vaIsraeri havana kupisa kana rimwe ramaguta akanga akavakwa pazvikomo zvavo, kusara kweHazori chete, rakapiswa naJoshua.

14. VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema.

15. Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

16. Naizvozvo Joshua akatora nyika yose iyi nyika yamakomo, neNegevhi nyika yose yezasi, neArabha namakomo eIsraeri namajinga awo,

17. kubvira kuGomo reHaraki, rinokwira rakananga kuSeiri, kuBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni mumupata meGomo reHemoni. Akabata madzimambo avo ose akavaparadza, akavauraya.

18. Joshua akarwa namadzimambo ose aya kwenguva refu.

19. Hakuna guta kana rimwe rakaita sungano yorugare navaIsraeri kunze kwavaHivhi vaigara muGibheoni, vavakatora vose pakurwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 11