Naizvozvo Joshua akaparadza nharaunda yose, zvichisanganisira nyika yamakomo, neNegevhi, neyemujinga mezvikomo zvokumavirira nemitenusirwa yamakomo pamwe chete namadzimambo acho ose. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaparadza zvachose vose vaifema, sezvakanga zvarayirwa naJehovha, Mwari waIsraeri.