Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 10:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha,

18. akati, “Kungurusirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete.

19. Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.”

20. Naizvozvo Joshua navaIsraeri vakavaparadza zvachose, asi vashoma vavo vakasara vakasvika kumaguta avo akavakirwa masvingo.

21. Ipapo vanhu vose vakadzokera kuna Joshua kumusasa paMakedha norugare, uye hapana kana mumwe akataura shoko pamusoro pavaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 10