Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jona 4:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa.

2. Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa.

3. Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu hwangu, nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jona 4