Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jona 2:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu.

7. “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene.

8. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.

9. Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

10. Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Verenga chitsauko zvakakwana Jona 2