Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 9:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro.

26. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.

27. Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’

28. ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.

29. Sezvo ndakatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?

30. Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,

31. imi muchandinyudza mugomba renhope zvokuti nenguo dzangu dzichandisema.

32. “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.

33. Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,

34. mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.

35. Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 9