Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 9:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?

3. Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru.

4. Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?

5. Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru.

6. Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.

7. Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.

8. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.

9. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.

10. Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

11. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.

12. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’

13. Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 9