Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 9:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.

18. Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko.

19. Kana zviri zvesimba, iye ane simba! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?

20. Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.

21. “Kunyange ndakarurama, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.

22. Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vakarurama navakaipa.’

23. Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.

24. Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?

25. “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro.

26. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 9