Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 8:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,

6. kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.

7. Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru.

8. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,

9. nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.

10. Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?

11. Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?

12. Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.

13. Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.

14. Zvaanovimba nazvo hazvina simba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.

15. Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.

16. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;

17. unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.

18. Asi kana ukatsemuka ukabva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 8