Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 8:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;

17. unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.

18. Asi kana ukatsemuka ukabva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’

19. Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.

20. “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka kana kusimbisa maoko avaiti vezvakaipa.

21. Iye achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.

22. Vavengi vako vachashongedzwa nenyadzi, uye matende avakaipa haachazovapozve.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 8