Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 8:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2. “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.

3. Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?

4. Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo.

5. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,

6. kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.

7. Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru.

8. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,

9. nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.

10. Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?

11. Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 8